Psalms 127

Rwiyo rworwendo rwaSoromoni.

1Kana Jehovha asingavaki imba,
vavaki vayo vanoshandira pasina.
Kana Jehovha asingachengeti guta,
varindi vanomira vakarinda pasina.
2Hazvina maturo kumuka mangwanani
nokunonoka kuvata,
uchitambudzikira zvokudya,
nokuti anopa hope kuna vaanoda.

3Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,
vana mubayiro unobva kwaari.
4Semiseve mumaoko emhare
ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.
5Akaropafadzwa murume
ane goba rizere navo.
Havanganyadziswi
pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.
Copyright information for SnaBDSC